Sadza paChimanimani Zvinoita sadza! Takangoti tichiburuka bhazi paChimanimani Village kwava kuchimhanyira kwaibva munhuwi waro. Ipapo ndanga ndabva mukusangana neumwe murume wechidiki seni, uyo anga andiona ndichidzerekera kumusuwo webhazi ndokuti, “Makanangepi ishe?” Ini ndokuchiti, “Tisu maticha matsva ekwaNdima., kuRusitu.” Akabva asimuka ndokunangawo mukova seni, apo bhazi ranga rozhamba rananga musika. “Zvatoita tawandirira. Neniwo ndakananga kuRusitu; ndiri … Continue reading Sadza paChimanimani, Part 1