Sadza paChimanimani, Part 1

Chimanimani

Sadza paChimanimani

Zvinoita sadza! Takangoti tichiburuka bhazi paChimanimani Village kwava kuchimhanyira kwaibva munhuwi waro. Ipapo ndanga ndabva mukusangana neumwe murume wechidiki seni, uyo anga andiona ndichidzerekera kumusuwo webhazi ndokuti, “Makanangepi ishe?”

Ini ndokuchiti, “Tisu maticha matsva ekwaNdima., kuRusitu.”

Akabva asimuka ndokunangawo mukova seni, apo bhazi ranga rozhamba rananga musika.
“Zvatoita tawandirira. Neniwo ndakananga kuRusitu; ndiri kunotanga basa paprimary.”

“Ini ndakariwanira pasecondary.”

“Makorokoto; ekumusoro uku anonzi oti netsei kuwana. Asi muchangopedza paChikomo?”

“Hongu; gore rapfuura irori. BA rangu, Chirungu neShona. Asi ndiri kunoticha ChiRungu.”

“Makorokoto chaiwo,” akadaro achigutsurira. “ Ngatiburuke; tamisa vanhu.”

Tava panze pebhazi takambotarisa mamiriro anga akaita nzvimbo., tichitatamuka nekushama n’ai.

“Muri kuzviona here zvimoko?” akabvunza murume uya.

“Zvipi? Zvisikana zvemusika izvi?” ndakadaro ndichitoshamisika, uku pfungwa dzombonzvengera kuna Shami wangu muHarare.

“Ko zvine basa here? Kana waita nzara zvepamusika ndizvo zvinoita manje,” akadaro, masizo ake achitandanisana chimwe chisikana chairwisana nesiketi yaivhungwa nemhepo.

Ndakatarisa divi ndokuti, “Zvine basa chaizvo; hatidi zvekuzopedzisira tawanana zvitetamvura zvekuno. Makanganwa here baba zvavanotaura: waerekana watangana nezvekuno hauzofi wakatarisa shure kwawakabva zvekare.”

Uyu akabva apfachuka zvake nesetswa, ini ndokusekavo nezwi riri pasi, dete.  Ipapo ndakabva ndarangarira kuti tanga tisati taudzana mazita, chero zvazvo kuva maticha kwedu kwanga kwatotiita kunge taizivana nechakare.”Ndonzi Sithole– Mark Sithole.”

“Moulta Matambanadzo,” akapindura achiunza ruoko kuti rwugwinwe nerwangu rwanga rwaneta nekumirira.

Ndopatanganzwa munhuwi wesadza ndokufamba tananga kwataiona vanhu vachinge masvosve. Pamusika uyu bhazi rinonzi raimbomira kwekanguva kakati rebei. Vanhu vaitokwanisa kutenga sadza ravo vakatoririkita pasina kutya kuti vaizosiiwa nebhazi. Ndomafungiro atakaenda kusadza tinawo, shasha dzadekara zvadzo, kwava kuchirondana nenhoroondo dzekwaibviwa, kozoti dzekwaiendwa. Ini ndanga ndatombosunungukawo chose semunhu anga apedza mazuva matatu achingochinjanisa mabhazi, uku hasha dzichingokwira sedzaRunde. Kubasa rudzii kwaisasvikwa?

Nhai, kusimuka muHarare muya nechitima neMuvhuro, chitima chiya chokachidzwa nekuchembera kwava kutifira maRusape. Totsamwa zvoshaya basa; kwava kuchitiza chitima chiya tananga mugwagwa wekwaMutare. Mushure menguva refu, towana bhazi ranga rakatozarawo zvaro, asi vakatitora havo. Ko handiti taibhadharazve, chero zvazvo yechitima tanga tisina kudzorerwa. Zuva rondodoka tasvika maMutare, kuSakubva kuya. Kuchitarisa rekuChimanimani bhazi wanikwe ranzi rakainda zuro; hapana aiziva kuti riripi?

“Saka todii?” ndobvunza iwe, ko ndingadii?

“Mototora rekuMasvingo,” ndoudzwa nevamwe ambuya vanga vaneta nekumirira rekuNyanga.

“Ko zvandiri kuendawo Chimanimani nhai vehama.”

“Aiwa, Chimanimani motombokanganwa. Torai reMasvingo iri, monoriburukira paBechinafu.”

“Hon’o!”

“Ipapo momirira anobva Masvingo kana Buruwayo achinanga Chipinge.”

Ini hezvo! “Ndomboinda Chipinge futi. Ko Chimanimani hanzi yadii?”

“Handiti mati muri kunosvika kuRusitu? Kutori pedo neChipinge kukunda Chimanimani Village yacho.”

“Heya?” Ndamira kanhanha, nzeve dzounga. Asi ndaibvunza ani.

“Mangoerekana masvika Chipenge, haiwa, matonaka,” vakadaro ambuya vaya vondisiya vananga kwanga kune chainge chingoro chemaOrange.  Kudotsegaira zvavo kunge vaisashushikana nenyaya dzekushaya mabhazi idzi. Ini apa ndongomira-mira, kushaya kuti ndodii, chero zvazvo ndanga ndaudzwa zvekuita.

Ndakatevedzera zvese zvandanga ndaudzwa ndokuchizonosvika Chipinge masikati eChipiri, ndatomborara panze pebhawa repaBechinafu. MuChipinge muya chero ngoro chaiyo yekuendesa nayo kuRusitu ungaiwana? Saka ndakatorara pamusika, mvura ichizvinaira zvayo yakasununguka. Musi we Chitatu pane akazonditi nditore bhazi raidzokera kwaMutare asi ndonoburukira paturn-off yekwaMutambara, inova ndiyo nzira yaizonanga kuChimanimani. Takanopasvika paTurn-off ava masikati chaiwo, ndokuchiwana pane bhazi rekuChimanimani ranga rafirapo, bhazi refu, rakapendewawo zvakanaka chose; asi ranga ramboti ifei. Vakarigadzirawo rikakosora zuva ratorereka. Ndiro bhazi ranga radai kutisvitsa pamusika weChimanimani uya uri pedyo nehotera inorarwa navashanyi vanovinga makomo. Ndipo pandanga ndadai kusangana naMoulta, mudzidzisi seni.

Ko iye zvanga zvambomuitira nyore here? Muchinda uyu anga atochembererawo parwendorwu. Mazuva mana achiedzawo kuenda kubasa.  Iye anga abva kwaMutoko, kunova ndokwaiva kumusha kwake, uko anga apedza dzidzo yehudzidzisi paMutoko Teachers’ College. Anga atora bhazi rekwaMutare paMbare rikafa kanomwe panzira, vachingoudzwa kuti vasanokwira rimwe sezvo iri ranga rine makanika waro mariri, saka kurigadzira kwaiva nyore. Pavakazosvika maMutare ranga ratova zuva repiri ari parwendo, atofonera kuchikoro kwake vakamuti ngaatore chero nguva yaaida. Saka nanhasi, anga achiri kungoedza kuenda kubasa, achipota achifonera chikoro, vomuti achasvika hake kana vematenga vada.

“Totongofara kuti, finally, tava netariro, tava pedo nemabasa,” ndakadaro ndichin’en’a bonzo.

“Neniwo, shasha. I was losing it. Asi zvanaka,” akapindura hake Moulta achipa nhunzi mbama.

Takaridyawo chose ndokuzopedzisira toti uyu abata rake bhodhoro reCastle, uyu abata rake reLion. Pava paya tichizotatamuka zvedu tananga kwatanga takamirirwa nebhazi redu.

Tichifamba angu maziso aiva achicherechedza makomo eChimanimani; ndokwaiuyiwa nevashanyi vaibva kunyika dzakaita saana Germany, United States, chiBritain, nedzimwe dakadaro. Ini hangu ndanga ndisati ndamboshanyira makomo embiri aya, uye handaitarisira kunoakwira chero zvazvo ndanga ndoshanda pedyo nawo. Asi aiyevedza kuatirisa. Randanga ndakayeva tichifamba raiita kunge raiziva kunge ndanga ndakaritarisa, huma yaro ichipenya kunge raida kundikoka kuti ndizoona zvaraiva nhazvo. Gomo guru rine mhanza uye tubvuzi twehungwaru. Gomo guru rinonzi raiva nemapako airura, mapako aiba munhu umwe pagore, iwo mabvakure aiita kunge ane nzeve dzakavuwiwa nesimende. Ini kwete, makomo ndaingoayevera kure, saizvozvi ndichifamba hangu zvekuzengurira, dumbu rati tashu seremhashu, ndichifamba nzeve dzichinzwa zvaitaurwa na Moulta uyo aingunoimba nezvekunakidza kwaaita Mutoko.

“Ah, shit!” akadaro Moulta achikwakuka kunge uyo anga atsika chiva. Handaida kudirwa mbama kuti ndizive changa chamukwakusa; ndakatokwakukawo pandakatarisa nzimbo yatanga tasiya bhazi. Panga patomirwa zvapo nechimota chematomatisi icho chaingunorwirwa nemadzimai emusika. Kukwakuka kwakashanduka kukava kumhanya, uku meso achitandanisa nzira yebhazi kudakara asisaoni chinhu. Kana kuona chiedza chebhazi, kana chekunyepedzera chaicho.

“Tava pashinyasi mudhara,” akadaro Moulta achiri kungomhanya pasina kwakanangwa. Patakabonderana ndopandakarangarira kuti neni ndanga ndichiri kumhanya nanhasi, kumhanya kuya kunoita kunge kunotimba panzvimbo imwe chete. Takazongoerekana tamira pamberi pechimota tatarisana nemuchairi wayo, ambuya vanga vakatozvitsamwiravo zvavo nechakare.

“Munoziva kwainda bhazi?” ndini uyo ndobvunza, ndichizvirovesa nehana yangu nekuti ndaiziva kuti handiwo mabvunziro anoitwa, asi hapana mamwe mabvunziro andakakwanisa kuita.

“Bhazi ramai vaani?” ndiambuya vaya.

“Bhazi; tasiya bhazi pano!”

“Iti wasiiwa nebhazi,” ndiMoulta uyo.

“Chibvunza iwe then!” ndini uyo, asi ndanga ndisina hangu kutsamwa. Moulta akabva amisa chimwe chisikana chaizvimhanyirawo.

“RekwaNdima? Rainda kare; pamwe izvozvi ratosvika kuTurn off yekuRusitu. Mukamhanya mogona kuribata. Rinomira nzvimbo dzakawandisa,” akadaro musikana achibva arova museve Moulta asati amupa umwe mubvunzo.

Takatarisana ndokutarisa tsoka dzedu ndokutarisana zvakare. Zvekuita taizviziva; kuzvinonokera kwainge kudenha nyuchi dzegonera.

Advertisement

4 thoughts on “Sadza paChimanimani, Part 1

  1. Wandifungisa makare kare Chihwa apo taikura maticha vachiri kunetsa kuwana munyika. Ipapo taidzidziswa nematicha aibva kunana Cuba, Mauritius, India. Vedu vemuno vaiava vashoma zvekuti anga aine ZJC kana standard 6 aitowana basa. Mabhazi zveshuwa anonetsa ekwaRusitu zvekunetsa zviya kubva nakare. Blueline bus services ndiyo yaiendako ichibva Chipinge kana kusina bhazi vaiita mhanza vaisangana nerori yababa vangu vaChikati vokwira mahara asi mubhazi vaibhadhara.

  2. aaaaaaah!!!! vaSigauke munosvisvina rurimi rwaMai. Iyi inyaya yakakonenzverwa semare, zvokuti ndabva ndaita kunge ndirikutoona tsekwende yakapinda masiiwa ne bhazi …. aaaa shit!!!! I laughed here, can’t wait more for Part 2.

Leave a Reply

Fill in your details below or click an icon to log in:

WordPress.com Logo

You are commenting using your WordPress.com account. Log Out /  Change )

Facebook photo

You are commenting using your Facebook account. Log Out /  Change )

Connecting to %s