Na Emmanuel Sigauke
Kumusha taiva vemhiri
Nekuno tiri vemhiri zvekare;
Taiva naRunde na Gwen’ombe,
TIchiti kwese kwataifanira kuenda
Kwaiva mhiri kwaRunde kana kwaGwen’ombe.
Kuenda kudhibha, mhiri kwaGwen’ombe,
Kuenda kuchigayo kwaTakavarasha, mhiri kwaRunde
Kuenda kusumha kana matobwe kuChishamba, mhiri.
Kuenda kumambuyu kwaMaride, kana kuvurimbo kwaMhike, mhiri.
Paiva nekuenda mhiri kwaiunza mafaro,
Kuenda mhiri kwaRunde kunoona muchato kwaGumbochuma
Kuenda mhiri kwaRunde kunokwira bhazi reHarare paMazarire
Kuenda mhiri kwaGwen’ombe kunotamba bhora kuChiware,
Kana kunoona mhosva dzichitongwa kwashe Mhike
Nekuti vatongwi vaiuya nembudzi yourairwa dare,
Mapapu nemushiya kupwere, dziwane matambiro,
Vatsengi venyaya vachivaraidza mazino nemunyepfu,
Uku upenyu hwevatongwi huchitararwa muvhu
Ramangwana rako richireruka kana kukoromoka,
Asika matongero ashe aiva ekuyananisa nekusimudzira upenyu.
Pakazovapo kwataiyambuka nzizi kunoona twusikana,
Ndisingakanganwi rwendo rukuru kwaMadzivadondo,
Uko taishanyira musikana waLeni,
Pandaiva nemakore gumi, iye ane gumi nematatu.
Leni anga ati rebei, otoputitsa mapundu ehujaya;
Tikati hendei, ndokufumobatawo jongwe muromo
Kuti tinosvika risati rarova nhongonya.
Poita paya pataiyambuka Runde,
Kutiza hondo yapisa maMazvihwa,
Tichinogamuchirwa nerukudzo kwaChivi,
Nekuti ivo vaiti kana kwavo yapisa
Taivatambira kuno sehama dzedu chaidzo
Vogarawo kusvika mavivi adzima—
Asika hondo futi: maitosona ukama chete
Cherozvo manga makamboburana kare.
Pwere tichitiza hondo
Tosvikowana mafaro akatimirira mhiri
Totamba zvedu kunge paisava nechaishaisa vakuru hope.
Kumusha taiva vemhiri
Touya kuno, tiri vemhiri
Kune avo vanobva kweduwo.
Apo, pamhiri pa Sacramento, vanobva mhiri kwaNgezi,
Vandinototi kana ndashanyira ndiyo yangu hama kuno.
Uko, mhiri kwe American River,
Kugere vanobva kwaTakavarasha, mhiri kwaRunde
Ndorangarira tichinofara Takavarasha,
Koti kuno, kana tafunga mafaro
Vanotidana mhiri kweAmerican
Tonovidza zuva tichigocha hochi
Nekupuruzira magirazi ezvinodhaka
Tozodzokako migwagwa yati gwa,
Mapurisa enzira atonorararawo.
Apa tinenge tanamwa, asi kufamba pore pore
Mhosva yekubatwa kuno wakagungwa
Inokudzoseresa mhiri kwamakungwa
Kwawakatiza kukwangwaya
Woita zvekufemera pamusoro
Segwaya rakwakukira kunze kwaMaizezi.
Kumusha taiva vemhiri
Chero nekuno tiri vemhri,
Chikwata chinogara mhiri kwa San Joaqin chakasisa.
Ndivo vakasvika zuro uno uyu,
Asi vatova nedzimba midhadhadha,
Mabasa emuno ndivo vatongi
Mari vachishaiwa zvekuita nayo
Kana kuziva marwadzo ekupera kwemwedzi
Anotishaisa hope, tichiti zvibhadharwa totaga nechipi.
Ivava vakati uyai kubhavadheyi,
Rodzai miromo, wedzerayi nyota,
Munonoguta ikoko, kunyanya kana makashinga
Nekuti muchanwiswa zvine mazita
Amusingagone kuverenga, mugodyiswa
Zvimbishi zvinotsvedza, zvekuti mukapusa munosemeswa,
Chero dzimwe hove dzamuchanodyako,
Dzine ruvara ruchena kukunda mukaka
Mukasangwara munozvirutsa zvese
Zvamunofanira kuchengeta mukati
Kuti muzive kuti chinonzi mhiri chii,
Uye munovambuka makungwa sei
Uye vambuko inokuvandutsai sei.
Mukasangwara munonotsamwa
Mugotuka vadzimu venyu
Movati ko makore ese aya
Sei musinawo kutiratidza nzira
Inosvitsa kurifa rakadai?
Asika vamwe venyu,
Chinonzi midzimu chacho,
Chero chinzonzi mwari chacho
Makasiya pazambuko
Pamaiti kuyambuka kwenyu
Rusununguko rwaikusvitsai kure kwezvinokataza.
Uh! Nyaya yemhiri inoita kuti uvone zvemhiri iwe uchivuno mhiri. Ndabva ndavona mhiri kwaNyadzira, kune gomo Svovera iro ratainzwa kuti munogara shoko dzinosveverera vanhu. Hunzi mune zinyoka raisvova mumafuri epamaware. Imomo muna Svovera taidya humbakumba, makosvo, makwakwa, nenhengeni. Takamboburigwamo vuchi namai rakacheka nyika. Taindonongazve Howa; vufirifiti, matindindi, mazheve agudo, chiropachembwa, nhedzi nevuzvukwe. Kwakambonaya tirimo muna Svovera tikadzimira. Takatinha n’ombe takananga seri kwaElipa. Kana kumbovona hedu kuti tava kurashika. Kuzoti pembenuku todoteruka gomo. Takazodzikomusa todzokera kwedu mhiri.