Mhiri Kuno

Na Emmanuel Sigauke

Kumusha taiva vemhiri

Nekuno tiri vemhiri zvekare; 

Taiva naRunde na Gwen’ombe, 

TIchiti kwese kwataifanira kuenda

Kwaiva mhiri kwaRunde kana kwaGwen’ombe. 

Kuenda kudhibha, mhiri kwaGwen’ombe,

Kuenda kuchigayo kwaTakavarasha, mhiri kwaRunde

Kuenda kusumha kana matobwe kuChishamba, mhiri. 

Kuenda kumambuyu kwaMaride, kana kuvurimbo kwaMhike, mhiri. 

Paiva nekuenda mhiri kwaiunza mafaro, 

Kuenda mhiri kwaRunde kunoona muchato kwaGumbochuma

Kuenda mhiri kwaRunde kunokwira bhazi reHarare paMazarire

Kuenda mhiri kwaGwen’ombe kunotamba bhora kuChiware, 

Kana kunoona mhosva dzichitongwa kwashe Mhike

Nekuti vatongwi vaiuya nembudzi yourairwa dare, 

Mapapu nemushiya kupwere, dziwane matambiro, 

Vatsengi venyaya vachivaraidza mazino nemunyepfu, 

Uku upenyu hwevatongwi huchitararwa muvhu

Ramangwana rako richireruka kana kukoromoka, 

Asika matongero ashe aiva ekuyananisa nekusimudzira upenyu. 

Pakazovapo kwataiyambuka nzizi kunoona twusikana, 

Ndisingakanganwi rwendo rukuru kwaMadzivadondo, 

Uko taishanyira musikana waLeni,

Pandaiva nemakore gumi, iye ane gumi nematatu. 

Leni anga ati rebei, otoputitsa mapundu ehujaya;

Tikati hendei, ndokufumobatawo jongwe muromo

Kuti tinosvika risati rarova nhongonya. 

Poita paya pataiyambuka Runde, 

Kutiza hondo yapisa maMazvihwa, 

Tichinogamuchirwa nerukudzo kwaChivi,

Nekuti ivo vaiti kana kwavo yapisa

Taivatambira kuno sehama dzedu chaidzo

Vogarawo kusvika mavivi adzima—

Asika hondo futi: maitosona ukama chete

Cherozvo manga makamboburana kare. 

Pwere tichitiza hondo

Tosvikowana mafaro akatimirira mhiri

Totamba zvedu kunge paisava nechaishaisa vakuru hope. 

Kumusha taiva vemhiri

Touya kuno, tiri vemhiri

Kune avo vanobva kweduwo. 

Apo, pamhiri pa Sacramento, vanobva mhiri kwaNgezi,

Vandinototi kana ndashanyira ndiyo yangu hama kuno.

Uko, mhiri kwe American River, 

Kugere vanobva kwaTakavarasha, mhiri kwaRunde

Ndorangarira tichinofara Takavarasha, 

Koti kuno, kana tafunga mafaro

Vanotidana mhiri kweAmerican

Tonovidza zuva tichigocha hochi

Nekupuruzira magirazi ezvinodhaka

Tozodzokako migwagwa yati gwa, 

 Mapurisa enzira atonorararawo. 

Apa tinenge tanamwa, asi kufamba pore pore

Mhosva yekubatwa kuno wakagungwa

Inokudzoseresa mhiri kwamakungwa

Kwawakatiza kukwangwaya

Woita zvekufemera pamusoro

Segwaya rakwakukira kunze kwaMaizezi. 

Kumusha taiva vemhiri

Chero nekuno tiri vemhri, 

Chikwata chinogara mhiri kwa San Joaqin chakasisa. 

Ndivo vakasvika zuro uno uyu, 

Asi vatova nedzimba midhadhadha, 

Mabasa emuno ndivo vatongi

Mari vachishaiwa zvekuita nayo

Kana kuziva marwadzo ekupera kwemwedzi

Anotishaisa hope, tichiti zvibhadharwa totaga nechipi. 

Ivava vakati uyai kubhavadheyi, 

Rodzai miromo, wedzerayi nyota, 

Munonoguta ikoko, kunyanya kana makashinga

Nekuti muchanwiswa zvine mazita 

Amusingagone kuverenga, mugodyiswa 

Zvimbishi zvinotsvedza, zvekuti mukapusa munosemeswa, 

Chero dzimwe hove dzamuchanodyako, 

Dzine ruvara ruchena kukunda mukaka

Mukasangwara munozvirutsa zvese

Zvamunofanira kuchengeta mukati

Kuti muzive kuti chinonzi mhiri chii, 

Uye munovambuka makungwa sei

Uye vambuko inokuvandutsai sei. 

Mukasangwara munonotsamwa

Mugotuka vadzimu venyu 

Movati ko makore ese aya

Sei musinawo kutiratidza nzira

Inosvitsa kurifa rakadai? 

Asika vamwe venyu, 

Chinonzi midzimu chacho, 

Chero chinzonzi mwari chacho

Makasiya pazambuko

Pamaiti kuyambuka kwenyu 

Rusununguko rwaikusvitsai kure kwezvinokataza. 

Advertisement

One thought on “Mhiri Kuno

  1. Uh! Nyaya yemhiri inoita kuti uvone zvemhiri iwe uchivuno mhiri. Ndabva ndavona mhiri kwaNyadzira, kune gomo Svovera iro ratainzwa kuti munogara shoko dzinosveverera vanhu. Hunzi mune zinyoka raisvova mumafuri epamaware. Imomo muna Svovera taidya humbakumba, makosvo, makwakwa, nenhengeni. Takamboburigwamo vuchi namai rakacheka nyika. Taindonongazve Howa; vufirifiti, matindindi, mazheve agudo, chiropachembwa, nhedzi nevuzvukwe. Kwakambonaya tirimo muna Svovera tikadzimira. Takatinha n’ombe takananga seri kwaElipa. Kana kumbovona hedu kuti tava kurashika. Kuzoti pembenuku todoteruka gomo. Takazodzikomusa todzokera kwedu mhiri.

Leave a Reply

Fill in your details below or click an icon to log in:

WordPress.com Logo

You are commenting using your WordPress.com account. Log Out /  Change )

Facebook photo

You are commenting using your Facebook account. Log Out /  Change )

Connecting to %s