Nduri Itsva DzaChamapezi Dhliwayo

NDINI IZWI

Ndini Izwi.
Ndinobva kuuzuru.
Ndakataura kare kare nemadzitateguru enyu.
Ndiri mukati menzvimbo dzinoera .
Nanhasi ndichiri kutaura.
Handimire kuchengera angu macheche.
Zvino teererai muteererese imi vatema!
Dzokerai kutsika dzemadzibaba enyu .
Semai kudeura ropa pachenyu.
Ropa rinoshura gwenga nekuti rinopinga nhuruka.
Dananai imi vatema pachenyu.
Hakuna rwumwe rudzi rwunokudai.
Zvino batai apa mupabatisise chaizvo!
Musayemure tsika nemagariro evasinamabvi.
Musavasiye vachipinda munzvimbo dzirere madzitateguru enyu.
Musarega vanamatonganyika vachidya zifa remukaka nemazenga euchi nevauyi.
Ivhu nderenyu nezviri mariri ndezvenyu .
Ndini Izwi rinobva kudengadenga.


IWEWE NENI

Chirega kuchema kani.
Chirega kuchema kani iwe-e!
Zvekare ndezvekare 
Zvakaitika zvakaitika imhepo yakatovhuvhuta ndokupfuura.
Ndizvo zvavari vanhu vacho.
Ndizvo zvavave kuita ava.
Kurwadziswa idenda redzihwa rinobata munhu wese.
Huya kani mudiwa huya.
Ndibate ruoko tiyambuke.
Tiende kure kure kusina anotitevera.
Kwedu tega kusina vanotiparadzanisa.
Kwatichanopururudzirwa muchato wedu nenjiva.
Ndinzwe mudiwa kani ndinzwe.
Chandichadya ndicho chauchadya.
Pandichavata ndipo pauchavata.
Pandichatsika ndipo pauchatsika.
Nguva ino inoti iwe neni.


MWENEWAZVO WAKAZVIWANEPI?

A-ah! a-ah ndinoda kuziva zvakavanzika Mwenewazvo?
Swedera uti pedyo neni gada Mwenewazvo.
Ndinoda mhinduro inondigutsa semugaiwa.
Inga upfu ukakumbira unondiudza wani?
Midziyo ikakumbirwa ndisipo ndiri kundari 
Inga unosvikotaura wani kuti wagova ndisipo?
Ko,izvo zvidobi zvawakaita mauro ndikasara ndisina mate mumukanwa wakazvitorepi?

Tave nemakore maviri tiri tese,
Tikaita  goremwana ,goremwana .
Asi zvidobi zvedu zviviri chete 
Chekumabvazuva nekumadokero.
Ko,icho chekumaodzanyemba wakachiwanepiko?

Wakapangurirwa muto usina ndima naaniko?
Iye zvino watsva nhutu hauchaguti .
Tikapopotedzana wondinemera kuti VaKadora.
Ko,ivo VaZimhungu wakavawanepiko?


WEMAKWATO

Raanoguta nderaakaraidzwa pakutanga.
Zvino akamuraidza akapota .
Iwe kudomupawo nemwoyo wese 
Paanopedza kuridya anokuyenzanisa neakatanga.
Kutarira ndiro dzevamwe haaregi.
Kuri kutsvaga chakachenjedza.
Wemakwato haungamufadzi kusvika paanoda
Unomutambidza mukombe pamwe iye anoda komichi.
Wemakwato haana mugoni kukwata haaregi.

ZINYEKENYEKE

Revai idi.
 Revai idi  mhani imi musatye!
Danai mhuka nemazita adzo .
Udzai vanhu zviito zvavo zvakaipa musatye!
Musavapoterera semunokwira gomo.
Vadzorei semombe dzinorunzira kubindu rine muriwo wakaiswa mushonga.
Kuvanza chakaipa kuvhara guru renyoka neruoko.
Zinyekenyeke rukonye runoodza.
Advertisement

Leave a Reply

Fill in your details below or click an icon to log in:

WordPress.com Logo

You are commenting using your WordPress.com account. Log Out /  Change )

Facebook photo

You are commenting using your Facebook account. Log Out /  Change )

Connecting to %s